24 Shure kwenguva, Bheni-hadhadhi mambo weAramu, akaunganidza hondo yake yose akaenda kundokomba Samaria.
25 Kwakava nenzara huru muguta zvokuti musoro wembongoro waitengeswa mashekeri makumi maserea esirivha, uye chitswandab chamatoto enjiva chaitengeswa namashekeri mashanuc; nokuti nguva yokukombwa yakanga yarebesa.
26 Mambo weIsraeri akati achipfuura naparusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari akati, “Ndibatsireiwo, ishe wangu namambo!”
27 Mambo akamupindura akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri ini ndingakuwanira rubatsiro kupi? Kubva paburiro here? Kubva pachisviniro chewaini here?
28 Ipapo akamubvunza akati, “Zvaita sei?” Iye akamupindura akati, “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye nhasi, mangwana tigozodya wangu.’
29 Naizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Fume mangwana, ini ndokuti kwaari, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye,’ asi iye akanga andomuviga.”
30 Zvino mambo akanzwa mashoko omukadzi uyu, akabvarura nguo dzake. Akati achifamba naparusvingo, vanhu vakamutarisa, vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo, pamuviri wake.