1 Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.
2 Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
3 “Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti,
4 ‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
5 Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
6 Bheterehema, Etami, Tekoa,
7 Bheti Zuri, Soko, Adhurami,