1 Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi.
2 Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakarusai.
3 Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro.
4 Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri vakamutsvaka, uye iye akawanikwa navo.
5 Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo.
6 Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana.
7 Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”