1 Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana.
2 Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi.
3 Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”
4 Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.”
5 Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.”
6 Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?”