9 Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reGamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.
10 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ”
11 Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.”
12 Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane naravamwe, uye utaure zvakanaka.”
13 Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.”
14 Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”
15 Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”