3 Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”
4 Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
5 Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo.
6 Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.
7 Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana fufuro.”
8 MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema.
9 Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha.