21 Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyanasiyana zvaifambiswa navanhu vaHurami. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.
22 Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.
23 Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.
24 Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuwira, namabhiza nembongoro.
25 Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.
26 Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.
27 Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari kuti iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.