18 Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi,vakanga vachindikurira pasimba.
19 Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
20 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira.
21 “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.