21 “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25 Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
26 “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27 kune vakachena munozviratidza makachena,asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.