23 Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24 Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25 Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,maererano nokuchema kwangu pamberi pake.
26 “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27 kune vakachena munozviratidza makachena,asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28 Munoponesa vanozvininipisa,asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29 Imi muri mwenje wangu, Jehovha;Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.