34 Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35 Anodzidzisa maoko angu kurwa;maoko angu anowembura uta hwendarira.
36 Munondipa nhoo yenyu yokukunda,munokotamira pasi kuti mundikurise.
37 Munotambanudza nzira pasi pangu,kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
38 “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39 Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka;vakawira pasi petsoka dzangu.
40 Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.