29 Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”
30 (Joabhu nomunun'una wake Abhishai vakaponda Abhineri nokuti akanga auraya Asaheri munun'una wavo muhondo paGibheoni.)
31 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.
32 Vakaviga Abhineri paHebhuroni, uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri. Vanhu vose vakachemawo.
33 Mambo akaimba rwiyo urwu rwokuchema Abhineri:“Ko, Abhineri aifanira kufa nomufiro webenzi here?
34 Maoko ako akanga asina kusungwa,makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare.Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.”Uye vanhu vose vakamuchemazve.
35 Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”