1 Zvino Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka.
2 Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini,
3 nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.)
4 Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti.
5 Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwa Ishi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati.
6 Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya napadumbu. Ipapo Rekabhu nomunun'una wake Bhaana vakabva vatiza.