1 Dhavhidhi akabvunza akati, “Ko, kuchine mumwe akasara here weimba yaSauro wandingaitira tsitsi nokuda kwaJonatani?”
2 Zvino kwakanga kuno muranda weimba yaSauro ainzi Zibha.Vakamudana kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akati kwaari, “Ndiwe Zibha here?” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
3 Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?”Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”
4 Mambo akabvunza akati, “Aripiko?”Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.”
5 Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri.
6 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo.Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
7 Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”