3 Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?”Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”
4 Mambo akabvunza akati, “Aripiko?”Zibha akapindura akati, “Ari kuimba yaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo Dhebhari.”
5 Saka Mambo Dhavhidhi akarayira kuti andotorwa kubva kuRo Dhebhari, pamba paMakiri mwanakomana waAmieri.
6 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo.Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.”
7 Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”
8 Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?”
9 Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake.