3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”
4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika,
5 muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,
6 muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.
7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.
8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti.
9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.