18 Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
19 Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, naMeshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
20 Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo.
21 Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nengowani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto unopfuta kwazvo.
22 Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, naMeshaki naAbhedhinego,
23 uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vana mupazano vake achiti, “Ko, havazi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”