Dhanieri 3:23-29 BDMCS

23 uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.

24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vana mupazano vake achiti, “Ko, havazi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”

25 Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”

26 Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto chinopfuta akadanidzira akati, “Nhai Shadhireki newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto,

27 uye machinda, navarayiri, navabati uye navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuwa kwomoto pavari.

28 Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo.

29 Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.”