4 Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.
5 Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti:
6 Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhu akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino.
7 Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.
8 Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”
9 Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.
10 Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.