7 Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.
8 Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”
9 Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.
10 Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.
11 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa!
12 Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?
13 Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”