7 Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya nokupembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.
8 Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita zvaanoona zvakakodzera kuita,
9 sezvo musati masvika panzvimbo yezororo nenhaka yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu.
10 Asi muchayambuka Jorodhani mugogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, uye achakupai zororo kubva kuvavengi venyu vose vakakukomberedzai kuitira kuti mugare murugare.
11 Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha.
12 Zvino ipapo mugopembera pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu navanasikana venyu, varanda venyu navarandakadzi venyu, uye navaRevhi vari mumaguta enyu, avo vasina mugove kana nhaka yavo.
13 Muchenjerere kuti musabayira zvipiriso zvenyu zvinopiswa pose pose pamunoda.