23 Denga riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
24 Jehovha achashandura mvura yenyika yako ikava guruva nemhukuta; richanaya kubva kudenga kusvikira waparadzwa.
25 Jehovha achaita kuti mukundwe navavengi venyu. Muchauya nenzira imwe kuzorwa navo asi mugotiza pamberi pavo nenzira nomwe, uye muchava chinhu chinotyisa kumarudzi ose apanyika.
26 Zvitunha zvenyu zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika, uye hapana achazvidzinga.
27 Jehovha achakurovai namamota eIjipiti uye namaronda, nemhezi nokuswinya zvicharamba kupora.
28 Jehovha achakurovai nokupenga, upofu nokunyonganiswa kwepfungwa.
29 Pamasikati makuru uchatsvanzvadzira sebofu murima. Haungabudiriri pane zvose zvauchaita; zuva nezuva uchamanikidzwa uye uchabirwa pasina anokununura.