17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.
18 Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.
19 Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.
20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,“tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.
21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.
22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.
23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.