39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.
40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41 kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga.
42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiriri vavavengi vangu.”
43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.
44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.
45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,