17 “Usauraya.
18 “Usaita upombwe.
19 “Usaba.
20 “Usapupura nhema pamusoro pomuvakidzani wako.
21 “Usachiva mudzimai womuvakidzani wako. Usachochora imba kana munda womuvakidzani wako, muranda kana murandakadzi wake, nzombe kana mbongoro kana chimwe chinhu chomuvakidzani wako.”
22 Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri.
23 Pamakanzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, varume vose vanotungamira marudzi enyu, navakuru venyu vakauya kwandiri.