3 Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano.
4 Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo.
5 Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati,
6 “Ndini Jehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti, munyika youranda.
7 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
8 “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho kudenga kumusoro kana panyika pasi kana pasi mumvura.
9 Usazvipfugamira kana kuzvinamata; nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,