1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuura,
2 uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanirwa kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi.
3 Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo,
4 nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza.
5 Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa mifananidzo yavo.
6 Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha.
7 Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma pandudzi dzose.