13 Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chingarangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”
15 Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.”
16 Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.”