1 Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai.
2 Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo.
3 Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri:
4 ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri.