2 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda.
3 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
4 “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.
5 Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwaavo vanondivenga,
6 asi ndicharatidza rudo kumarudzi ane chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.
7 “Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina nokuti Jehovha haazoregi kupa mhosva munhu upi zvake anoreva zita rake pasina.
8 “Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.