33 “Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifusira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri,
34 muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
35 “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho uye vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo.
36 Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.