10 “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona,
11 nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa.
12 Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo.
13 Kana chakabvarurwabvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa.
14 “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye icho chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, iye anofanira kuripa.
15 Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.
16 “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.