12 Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo.
13 Kana chakabvarurwabvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa.
14 “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye icho chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, iye anofanira kuripa.
15 Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.
16 “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.
17 Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara.
18 “Usatendera muroyikadzi kuti ararame.