11 Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete.
12 Kana zviri zvokuwedzera urefu hwamachira etende, hafu yejira inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri.
13 Machira etende anofanira kurebesa nekubhiti rimwe chetee pamativi ose ari maviri; anenge asara anofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti agoifukidza.
14 Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondohwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.
15 “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuakasia.
16 Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumif uye kubhiti nehafug paupamhi,
17 nembamba mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.