25 Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
26 “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuakasia: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,
27 shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.
28 Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.
29 Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.
30 “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
31 “Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona.