40 Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefaa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehinib chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
41 Ubayire rimwe gwayana madekwana pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
42 “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kumarudzi ose.
43 Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.
44 “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista.
45 Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo.
46 Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.