9 aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,
10 uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,
11 namafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”
12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
13 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kumarudzi anotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.
14 “ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
15 Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa.