3 Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokungopa mangwanani oga oga.
4 Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo
5 uye vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.”
6 Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe,
7 nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose.
8 Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi.
9 Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubhiti manab paupamhi.