11 Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye n'anga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.
12 Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13 Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.
15 Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
16 Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.
17 Zvanzi naJehovha, “Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye iyo ichashanduka ikava ropa.