15 Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
16 Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.
17 Zvanzi naJehovha, “Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye iyo ichashanduka ikava ropa.
18 Hove dziri muNairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.” ’ ”
19 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yamatanda neyamabwe.”
20 Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, uye mvura yose ikashanduka ikava ropa.
21 Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.