15 “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi nokuvaparadzira kunyika dzose.
16 Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
17 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18 “Mwanakomana womunhu, udedere paunenge uchidya zvokudya zvako, uye ubvunde nokutya paunonwa mvura yako.
19 Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye munyika yaIsraeri kuti: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya nokunwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo.
20 Maguta anogarwa navanhu achaitwa ndongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
21 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,