Ezekieri 45 BDMCS

Kuganhurwa kweNyika

1 “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene.

2 Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu.

3 Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuri makumi maviri nezvishanua paurefu uye makubhiti zviuru gumib paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.

4 Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene.

5 Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara.

6 “ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri.

7 “ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba.

8 Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo.

9 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kupamba vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

10 Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efac yakarurama uye bhatid rakarurama.

11 Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomerie neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose.

12 Shekerif rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe cheteg.

Zvipiriso naMazuva Matsvene

13 “ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chetanhatu cheefa chichibva pahomeri rimwe nerimwe rebhari.

14 Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori imwe neimwe (ina mabhati gumi kana homeri rimwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri rimwe chete).

15 Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akanyatsodiridzwa aIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

16 Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri.

17 Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.

18 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene.

19 Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati.

20 Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi.

21 “ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo.

22 Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika.

23 Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondohwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi.

24 Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondohwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehinih yamafuta paefa imwe neimwe.

25 “ ‘Pamazuva manomwe oMutambo, unotanga nomwedzi wechinomwe pazuva regumi namashanu, anofanira kuramba achiuya nezvipiriso zvezvivi, nezvibayiro zvinopiswa, nezvipiriso zvezviyo namafuta.

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14 15 16 17 18 19 20 21 22 23 24 25 26 27 28 29 30 31 32 33 34 35 36 37 38 39 40 41 42 43 44 45 46 47 48