11 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
12 “Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi.
13 Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatoravo varume vaitungamirira nyika iyo,
14 kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake.
15 Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapukunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopukunyuka here?
16 “ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye chibvumirano chaakaputsa.
17 Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvizombobatsiri kwaari muhondo, kana vakavaka mirwi kana kuvaka nhare dzokuparadza vanhu vazhinji.