8 “ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti.
9 Asi nokuda kwezita rangu, ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo vaigara pakati padzo uye avo vandakanga ndazviratidza pamberi pavo kuvaIsraeri nokuvabudisa muIjipiti.
10 Naizvozvo ndakavabudisa muIjipiti ndikaenda navo kugwenga.
11 Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo.
12 Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndinovaita vatsvene.
13 “ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga.
14 Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo.