11 Asi matoro namachakwi haangavi nemvura yakanaka; zvichasarira munyu.
12 Miti yemichero yemarudzi ose ichamera kumativi ose emahombekombe orwizi. Mashizha ayo haangasvavi, uye haingashayi michero. Ichabereka zvibereko mwedzi woga woga, nokuti mvura inobva panzvimbo tsvene inoyerera madziri. Michero yayo ichava zvokudya zvavanhu uye mashizha ayo achaporesa vanhu.
13 Zvanzi naIshe Jehovha, “Iyi ndiyo miganhu yaunofanira kuganhura nyika kuti ive nhaka pakati pamarudzi gumi namaviri aIsraeri, nemigove miviri yaJosefa.
14 Unofanira kuiganhura zvakaenzana pakati pavo. Nokuti ndakapika noruoko rwakasimudzwa kuti ndichaipa kumadzitateguru enyu, nyika iyi ichava nhaka yenyu.
15 “Iyi ndiyo inofanira kuva miganhu yenyika: “Kurutivi rwokumusoro uchabvira kuGungwa Guru nenzira yeHetironi uchipfuura nepaRebho Hamati kusvikira kuZedhadhi,
16 Bherota neSibhiraimu (iri pamuganhu weDhamasiko neHamati), kusvika kuHazeri Hatikoni riri pamuganhu weHaurani.
17 Muganhu uchaenda uchibva kugungwa uchindosvika kuHazari Enani, uchitevedza muganhu nokumusoro kweDhamasiko, nomuganhu weHamati kumusoro. Ndiwo uchava muganhu wokumusoro.