13 “Kunyange zvakadaro, mugore rokutanga raSirasi mambo weBhabhironi, Mambo Sirasi akatema chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve.
14 Akabvisawo midziyo, yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari yakanga iri mutemberi yeBhabhironi, yakanga yatorwa naNebhukadhinezari kubva kutemberi muJerusarema akaiuyisa kutemberi yomuBhabhironi. “Ipapo mambo Sirasi akaipa kumurume ainzi Sheshibhazari, waakanga agadza kuti ave mubati,
15 uye akamuudza kuti, ‘Tora midziyo iyi uende nayo undoiisa mutemberi muJerusarema, uye ugovakazve imba yaMwari panzvimbo yayo.’
16 Naizvozvo Sheshibhazari uyu akauya akateya nheyo dzeimba yaMwari muJerusarema. Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi yanga ichingovakwa, asi haisati yapera.”
17 “Zvino kana zvichifadza mambo, ngavatsvakisise mumabhuku amadzimambo eBhabhironi kuti vaone kana Mambo Sirasi zvirokwazvo vakamboisa chirevo chokuti imba yaMwari iyi ivakwezve muJerusarema. Naizvozvo mambo ngaatizivise kuda kwake pamusoro penyaya iyi.”