16 pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema.
17 Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondohwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema.
18 Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu.
19 Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu.
20 Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo.
21 Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,
22 kusvikira pamatarenda esirivha zanaa, nezviyero zanab zvezviyo namabhati zanac ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa.