24 Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero nemiripo kana zvipo kuvaprista, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari.
25 Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.
26 Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.
27 Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai,
28 uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.