7 Vamwe vavaIsraeri, vaisanganisira vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vamasuo navaranda vomutemberi, vakauyawo kuJerusarema mugore rechinomwe rokutonga kwaMambo Atazekisesi.
8 Ezira akasvika muJerusarema mumwedzi wechishanu wegore rechinomwe ramambo.
9 Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.
10 Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.
11 Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri:
12 Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa.
13 Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende.