21 Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.
22 Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.
23 Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
24 Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri.
25 Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake rainzi Jokitani.
26 Jokitani akanga ari baba va: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,
27 Hadhoramu, Uzari, Dhikira,